Jona 2 - Shona BIBLEJona anonyengetera ari mukati mehove 1 Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove. 2 Akati, “Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu. 3 Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu. 4 Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’ Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene. 5 Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu. 6 Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyangwe zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu. 7 Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene. 8 Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo. 9 Asi ndichakubairai nezwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” 10 Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe