Online Bible

- Reklamy -

Isaya 4 - Shona BIBLE

1 Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, “Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudanwa zita rako bedzi; bvisa kunyadzwa kwedu.”

2 Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka VaIsiraeri.

3 Vakasiyiwa paZioni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;

4 kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZioni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokutonga uye nomweya wokupisa.

5 Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZioni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.

6 Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy