Isaya 3 - Shona BIBLE1 Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura; 2 munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru; 3 mukuru wamakumi mashanu, noanokudzwa, chipangamazano, nemhizha yakachenjera, nomuvuki anoziva. 4 Ndichavapa vanana ave machinda avo, vachabatwa navacheche. 5 Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kuno anokudzwa. 6 Musi uyo munhu achabata munun'una wake mumba mababa vake, achiti, “Iwe une nguo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.” 7 Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, “Handidi kuva chiremba, nokuti mumba mangu hamuna zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.” 8 Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha awa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya. 9 Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa. 10 Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo. 11 Wakaipa ane nhamo! Iye haangavi nomufaro, nokuti achapiwa mubairo wamaoko ake. 12 Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo. 13 Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu. 14 Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, “Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.” 15 Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo. 16 Uyezve Jehovha akati, “Vakunda veZioni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita meso–meso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere, 17 naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZioni negwenyu–kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.” 18 Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi; 19 nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo; 20 nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuwira, namazango; 21 nezvimhete, noukomba hwemhino; 22 nenguo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama; 23 nezviwoni–woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonaka, nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso. 24 Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka. 25 Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa. 26 Masuwo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe