Online Bible

- Reklamy -

Hosiya 14 - Shona BIBLE


Jehovha anodana Isiraeri kuti vadzokere kwaari

1 Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.

2 Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, “Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibairo zvedu.

3 Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.”

4 “Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari.

5 Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni.

6 Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni.

7 “Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somuzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni.

8 “Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndine hanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.”

9 Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy