Online Bible

- Reklamy -

Genesi 10 - Shona BIBLE


Vanakomana vaJafeti, naHamu naShemu

1 Ndiwo marudzi avanakomana vaNowa, naShemu, naHamu, naJafeti; ivo vakaberekerwa vana shure kwemvura zhinji.

2 Vanakomana vaJafeti ndivo: Gomeru, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMesheki, naTirasi.

3 Vanakomana vaGomeru ndivo: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.

4 Vanakomana vaJavhani ndivo: Erisha, naTashisi, naSaipurasi, naDhodhanimu.

5 Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo.

6 Vanakomana vaHamu ndivo: Kushi, naIjipiti, naRibhia, naKenani.

7 Vanakomana vaKushi ndivo: Sebha, naHavhira, naSabhata, naRama, naSabhuteka; navanakomana vaRama ndivo: Shebha naDhedhani.

8 Kushi akabereka Nimurodhi, ndiye akatanga kuva nesimba panyika.

9 Akanga ari mudzimba mukuru pamberi paJehovha; naizvozvo vanoti, “SaNimurodhi, mudzimba mukuru pamberi paJehovha.”

10 Ushe hwake hwakatanga paBhabheri, neEreki, neAkadhi, neKarine, panyika yeShinari.

11 Akabuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akavaka Ninivha neRohobhoti–iri, neKara,

12 neReseni, pakati peNinivha neKara (iri iguta guru).

13 Ijipiti akabereka vaRidhia, navaAnami, navaRehabhi, navaNafituhimu,

14 navaPaturusi navaKasiruhi, (vaFirisitia vakabva kwavari), navaKafutori.

15 Kenani akabereka Sidhoni, dangwe rake, naHeti;

16 naVaJebhusi, naVaAmori, naVaGirigashi;

17 naVaHivhi, naVaAriki, navaSini,

18 navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati. Shure kwaivava mhuri dzaVaKenani dzakapararira.

19 Muganhu waVaKenani wakatanga paSidhoni, ukaenda Gerari, ukasvika Gaza, ukaenda Sodhoma, neGomora, neAdhamu, neZibhoimu, ukasvika paRasha.

20 Ndivo vanakomana vaHamu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

21 Naiye Shemu, baba vevana vose vaEbheru, mukuru waJafeti, akaberekerwa vana.

22 Vanakomana vaShemu ndivo: Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu.

23 Vanakomana vaAramu ndivo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi.

24 Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheru.

25 Ebheru akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe rakanga riri Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake rakanga riri Jokitani.

26 Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera;

27 naHadhoramu, naUsari, naDhikira;

28 naObhari, naAbhimaeri, naShebha;

29 naOfiri, naHavhira, naJobhabhu; ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

30 Kwavakagara ndiko: kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuva.

31 Ndivo vanakomana vaShemu, mhuri dzavo, nendimi dzavo, munyika dzavo, nendudzi dzavo.

32 Ndidzo mhuri dzavanakomana vaNowa, nedzimba dzavo, nendudzi dzavo; kwavari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy