Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 9 - Shona BIBLE


Kurohwa kweJerusaremu

1 Ipapo akadanidzira munzeve dzangu nezwi guru, achiti, “Swededzai vatariri veguta, mumwe nomumwe ane nhumbi yake yokuparadza muruoko rwake.”

2 Zvino tarira, varume vatanhatu vakabva nenzira yesuwo rokumusoro, riri kurutivi rwokumusoro, mumwe nomumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, nomumwe murume pakati pavo akafuka mucheka werineni, ano runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake. Vakapinda, vakandomira parutivi rweatari yendarira.

3 Zvino kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kwakwira kuchibva pakerubhi, pakwakanga kuri, kukasvika kuchikumbaridzo cheimba; akadana murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga ano runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake.

4 Jehovha akati kwaari, “Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro.”

5 Asi kuna vamwe wakati, ini ndichizvinzwa, “Pfuurai nomuguta muchimutevera, muuraye; ziso renyu ngarirege kupembedza, musava netsitsi;

6 urayai vose vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi; asi regai kuswedera kuno mumwe ane chiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene.” Ipapo vakatanga navatana vakanga vari pamberi peimba.

7 Akati kwavari, “Svibisai imba, muzadze mavanze navakaurayiwa; chibudai.” Vakabuda, vakauraya muguta.

8 Zvino vakati vachiuraya, ini ndasiyiwa ndiri ndoga, ndikawira pasi nechiso changu, ndikachema, ndichiti, “Aiwa, Ishe Jehovha! Ko munoparadza vose vakasara VaIsiraeri pakudurura kwenyu hasha dzenyu pamusoro peJerusaremu here?”

9 Ipapo akati kwandiri, “Zvakaipa zveimba yaIsiraeri naJudha zvakakura kwazvo, nyika izere neropa, neguta rizere nezvisakarurama; nokuti vanoti, ‘Jehovha akabva panyika, Jehovha haaoni.

10 Neni, kana ndirini, ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsi, asi ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo.’ ”

11 Zvino tarira, murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga ano runyanga rweingi pachiuno chake, akadzoka neshoko, akati, “Ndaita sezvamakandirayira.”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy