Ezekieri 6 - Shona BIBLEKutukwa kwamakomo aIsiraeri 1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, ratidza chiso chako kumakomo aIsiraeri, uporofite pamusoro pawo, 3 uti, ‘Imi makomo aVaIsiraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha, zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kumipata nokumapani, tarirai, ini, iyeni, ndichauyisa munondo pamusoro penyu, ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira. 4 Maatari enyu achaitwa matongo, nezvifananidzo zvenyu nezuva zvichakoromorwa; vanhu venyu, vakaurayiwa, ndichavawisira pasi pamberi pezvifananidzo zvenyu. 5 Ndicharadzika zvitunha zvavana VaIsiraeri pamberi pezvifananidzo zvavo; ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose amaatari enyu.’ 6 “Pose pamugere maguta achaparadzwa, nenzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti maatari enyu aparadzwe aitwe matongo, nezvifananidzo zvenyu zvikoromorwe zvigume, nezvifananidzo zvenyu zvezuva zvitemwe, nezvamakabata zvose zviparadzwe. 7 Vakaurayiwa vachawira pasi pakati penyu, nemi muchaziva kuti ndini Jehovha. 8 “Kunyangwe zvakadaro ndichachengeta vakasara, nokuti vamwe venyu vachavapo vachapukunyuka pamunondo pakati pamarudzi kana muchiparadzirwa kunyika dzose. 9 Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa mwoyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vomene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose. 10 Zvino ivo vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kureva pasina kuti ndichavaitira zvakaipa izvozvo.” 11 Zvanzi naIshe Jehovha, “Rova noruoko rwako, tsikisa pasi norutsoka rwako, uti, ‘Maiwe!’ Nokuda kwezvinonyangadza zvakaipa zvose zveimba yaIsiraeri; nokuti vachaurayiwa nomunondo nenzara nechirwere chakaipa. 12 Ari kure achafa nechirwere chakaipa, ari pedyo achaurayiwa nomunondo, akasara akachengetwa achafa nenzara; saizvozvo ndichapedza hasha dzangu pamusoro pavo. 13 Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo, vakaurayiwa, vari pakati pezvifananidzo zvavo vakakomberedza maatari avo, pachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, napamusoro pemisoro yose yamakomo, napasi pomuti pomuoki mumwe nomumwe mukobvu, ipo panzvimbo dzose pavaipisira zvifananidzo zvavo zvose zvinonhuwira zvakanaka. 14 Ndichatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pavo, nyika ndichaiita dongo nokuiparadza, kubva parenje kusvikira Dhibhira, pose pavanogara; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe