Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 47 - Shona BIBLE


Mvura yakabva mutemberi

1 Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rweatari.

2 Zvino akandibudisa nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuwo rokunze, nenzira yesuwo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.

3 Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva aine tambo yokuyeresa muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.

4 Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.

5 Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.

6 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here?” Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi.

7 Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo uno nemhiri.

8 Zvino akati kwandiri, “Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe.

9 Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.

10 “Vateyi vehova vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo.

11 Asi pana matope napana machakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu.

12 Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namazhizha ayo achaporesa.”


Miganhu yenyika

13 Zvanzi naIshe Jehovha, “Iyi ndiyo miganhu, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri aIsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri.

14 Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nokuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu.

15 Iyi ndiyo miganhu yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi;

16 neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganho weDhamasikosi nomuganho weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganho weHaurani.

17 “Muganho unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganho weDhamasikosi; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro.

18 Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasikosi neGireadhi nenyika yaIsiraeri, muganho unofanira kuva Jodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva.

19 Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganho uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi.

20 “Kurutivi rwamavirazuva muganho unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva.

21 “Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi aIsiraeri.

22 Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi aIsiraeri.

23 Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy