Ezekieri 44 - Shona BIBLEMirairo yenzvimbo tsvene 1 Zvino akandidzosa nenzira yesuwo rokunze renzvimbo tsvene, rakanga rakatarira kurutivi rwamabvazuva; asi rakanga rakapfigwa. 2 Jehovha akati kwandiri, “Suwo iri rinofanira kugara rakapfigwa, harifaniri kuzarurwa, uye hakuna munhu anofanira kupinda naro, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wapinda naro; saka rinofanira kuramba rakapfigwa. 3 Kana ari muchinda, iye anofanira kugaramo ari muchinda, adye zvokudya pamberi paJehovha; anofanira kupinda nenzira yebiravira resuwo, ndokubudazve nenzira iyeyo.” 4 Ipapo akaenda neni nenzira yesuwo rokurutivi rwokumusoro pamberi peimba; ndikatarira, ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza imba yaJehovha; ndikawira pasi nechiso changu. 5 Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, utarire nameso ako, unzwe nenzeve dzako zvose zvandinokuudza pamusoro pemitemo yose yeimba yaJehovha, nemirairo yayo yose; cherechedza zvakanaka panopindwa napo paimba, napanobudiwa napo pose panzvimbo tsvene. 6 “Zvino uti kuna vakandimukira, kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nhai, imi imba yaIsiraeri, chiringaniswai nezvinonyangadza zvenyu, 7 izvo zvokupinza kwenyu vatorwa, vane mwoyo isina kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa, kuti vave munzvimbo yangu, muchimhura iyo imba yangu, kana muchindivigira zvokudya, namafuta neropa; vakaputsa sungano yangu, vachinyanyisa zvinonyangadza zvenyu. 8 Hamuna kuchengeta zvinhu zvangu zvitsvene, asi makagadza vatariri vanokuchengeterai imi zvinhu zvangu munzvimbo yangu tsvene.’ 9 “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mutorwa uno mwoyo usino kudzingiswa nenyama isina kudzingiswa ngaarege kupinda munzvimbo yangu tsvene, Ani naani wavatorwa vari pakati pavana VaIsiraeri.’ ” 10 “Asi vaRevhi, vakaenda kure neni panguva yokutsauka kwaIsiraeri, vakatsauka kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo, ivo vachava nemhosva yezvakaipa zvavo. 11 Asi vanofanira kuva vashumiri munzvimbo yangu tsvene, navatariri pamasuwo eimba, navanoshumira mumba; ivo vanofanira kubayira chipiriso chinopiswa, nezvinobayirwa vanhu, nokumira pamberi pavo kuvashumirira. 12 Zvavakavashumirira pamberi pezvifananidzo zvavo, vakazova chigumbuso chezvakaipa kuimba yaIsiraeri; naizvozvo ndakavasimudzira ruoko rwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha vachava nemhosva yezvakaipa zvavo. 13 Havangaswederi kwandiri, kundiitira basa roupristi, kana kuswedera kuchinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsene, kuzvinhu zvitsvene kwazvo; asi vachava nemhosva yokunyadziswa kwavo, neyezvinonyadzisa zvavo zvavakaita. 14 Asi ndichavaita vatariri vanochengeta imba, vaite basa rayo rose, nezvose zvinofanira kuitwamo.” 15 “Asi vapristi vaRevhi, ivo vanakomana vaZadhoki, vaichengeta basa renzvimbo yangu tsvene panguva yokutsauka kwavana VaIsiraeri vachibva kwandiri, ndivo vachaswedera kwandiri kuzondishumira; ivo vachamira pamberi pangu kuzondibayira mafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; 16 vachapinda munzvimbo yangu tsvene, vachaswedera kutafura yangu, kuti vandishumire, uye vachachengeta basa rangu. 17 “Zvino kana vachipinda pamasuwo oruvanze rwomukati, vachafanira kufuka nguo dzerineni; makushe ngaarege kuva pamiviri yavo, kana vachishumira mumasuwo oruvanze rwomukati, nomukati meimba. 18 Vachafanira kufuka ngowani dzerineni pamisoro yavo, uye vachafanira kuva namabhurukwa erineni pazviuno zvavo; ngavarege kuzvisunga chiuno nechinhu chinobudisa ziya. 19 Kana vachibudira kuruvanze rwokunze, iko kuruvazhe rwokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokudziisa mumakamuri matsvene; vanofanira kufuka dzimwe nguo, kuti varege kuita vanhu vatsvene nenguo dzavo. 20 “Ngavarege kuveura misoro yavo, kana kurega vhudzi ravo richireba; ngavaguswe chete misoro yavo. 21 Mupristi upi noupi ngaarege kunwa waini, kana achipinda muruvanze rwomukati. 22 Havafaniri kuwana chirikadzi, kana mukadzi akarambwa nomurume; asi vanofanira kuwana mhandara pakati pavana veimba yaIsiraeri, kana chirikadzi, iri chirikadzi yomupristi. 23 Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu kusiyana kwezvitsvene nezvisi zvitsvene, nokuvadzidzisa kutsaura pakati pezvisina kunaka nezvakanaka. 24 Kana pane gakava vanofanira kuva vatongi; vanofanira kutonga nemitemo yengu; vachafanira kuchengeta mirairo yangu nemitemo yangu pamitambo yangu yose yakatarwa; maSabata angu ngaave matsvene kwavari. 25 “Ngavarege kupinda kune zvitunha, kuti varege kuzvisvibisa; asi vangazvisvibisa nokuda kwababa, kana mai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma nomunun'una, kana hanzvadzi yakanga ichigere kuwanikwa. 26 Zvino kana iye apera kunatswa, anofanira kutarirwa mazuva manomwe. 27 “Nezuva raanozopinda munzvimbo tsvene, muruvanze rwomukati, kundoshumira munzvimbo tsvene, achafanira kubayira chipiriso chake chezvivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 28 “Vachava nenhaka; ini ndini nhaka yavo; hamufaniri kuvapa pfuma pakati paIsiraeri, ini ndini pfuma yavo. 29 Vanofanira kudya chipiriso choupfu, nechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva; chinhu chipi nechipi chakatsaurirwa Jehovha pakati paIsiraeri chichava chavo. 30 Chakaisvonaka pamichero yokutanga yezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavapristi; munofanira kupawo vapristi zvokutanga zvoupfu hwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu. 31 Vapristi ngavarege kudya chinhu chipi nechipi chakangofa choga, kana chakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana chipfuwo.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe