Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 2 - Shona BIBLE


Kudanwa kwaEzekieri

1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.”

2 Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni.

3 Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana VaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi.

4 Vana vane zviso zvisina kunyara nemwoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha.

5 ‘Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo imba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.’

6 “Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko awo, kunyangwe uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo imba inondimukira simba.

7 Asi iwe unofanira kuvaudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo.

8 “Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.”

9 Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri; tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo;

10 akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy