Estere 10 - Shona BIBLEUkuru hwaModhekai 1 Zvino mambo Ahasuerusi akateresa nyika, nezviwi zvegungwa. 2 Zvino mabasa ake ose echikuriri, nesimba rake, uye zvose zvoukuru hwaModhekai, hwaakakudzwa nahwo namambo, hazvina kunyorwa here pabhuku yamakoronike amadzimambo eMidhia nePezhia? 3 Nokuti Modhekai muJudha wakanga ari wechipiri paushe achitevera mambo Ahasuerusi; aiva mukuru pakati pavaJudha, akadikanwa navazhinji vehama dzake; waitsvakira vanhu vake zvakanaka, achitaurira rudzi rwake rwose zvorugare. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe