2 VaTesaronika 1 - Shona BIBLEKwaziso 1 Pauro, naSirivhano, naTimoti, kuchechi yaVaTesaronika muna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. 2 Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu. Pauro anovonga nokuti vanomira nesimba 3 Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda; 4 nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pachechi dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo. 5 Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa noushe hwaMwari hwamunotambudzikirawo; 6 zvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai; 7 nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwechete nesu pakuonekwa kwaIshe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, 8 mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Vhangeri yaIshe wedu, Jesu; 9 ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paIshe, napakubwinya kwesimba rake, 10 kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa). 11 Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda; 12 kuti zita raIshe wedu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe