1 Timoti 6 - Shona BIBLEVaranda navatenzi 1 Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa. 2 Avo vana vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire. Kurayira kwokupedzisira 3 Kana kune munhu anodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aIshe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mwari, 4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, 5 nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakaodzwa, vakatorerwa chokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinopfumisa. 6 Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; 7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; 8 asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. 9 Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kuno kuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokuraswa. 10 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji. 11 Asi iwe, munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, nohunyoro. 12 Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa kwahuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. 13 Ndinokurayira pamberi paMwari, anopa zvinhu zvose zvoupenyu hwazvo, napamberi paKristu Jesu, akapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato; 14 kuti uchengete murairo, usina ruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu; 15 kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga akaropafadzwa nowaMasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe; 16 iye oga asingafi, agere pachiedza chisingaswederwi, asina kuonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni. 17 Rayira vapfumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, anotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo; 18 kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; 19 vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo. 20 Iwe, Timoti, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusina hanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo; 21 iyo yakapupurwa navamwe, vakazorasika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe