Ɀireʋo 6 - Shona Bible 1949 revised 2002Njodzi yorubatso 1 Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, 2 Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako, 3 Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako. 4 Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; 5 Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi. Simbe inotukwa 6 Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera! 7 Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati, 8 Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa. 9 Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira riniko? Uchamuka riniko pahope dzako? 10 Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; 11 Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa. Zvinovengwa naMwari 12 Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema; 13 Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake; 14 Ane zvisakarurama pamwoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana. 15 Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira. 16 Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: 17 Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka; 18 Mwoyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; 19 Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama. Kushata kwoupombwe 20 Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. 21 Uzvisungire nguva dzose pamwoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako. 22 Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe. 23 Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; 24 Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. 25 Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. 26 Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha. 27 Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, Nguo dzake dzikasatsva here? 28 Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? 29 Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa. 30 Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara. 31 Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nepfuma yose yeimba yake. 32 Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo. 33 Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopisikwi. 34 Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva. 35 Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe