Ɀireʋo 3 - Shona Bible 1949 revised 2002Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye, amuteerere 1 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; 2 Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. 3 Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; 4 Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. 5 Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. 6 Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. 7 Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; 8 Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako. 9 Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; 10 Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva. 11 Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake. 12 Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. Mufaro womunhu, awana uchenjeri 13 Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. 14 Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama. 15 Unokosha kupfuura korari; Hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. 16 Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. 17 Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare. 18 Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro. 19 Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere. 20 Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova. 21 Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. 22 Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; Noukomba pamutsipa wako. 23 Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi. 24 Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka. 25 Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; 26 Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. Munhu ngaave nomwoyo murefu nokutendeka 27 Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. 28 Usati kunowokwako, “Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;” Kana uchinge unazvopo. 29 Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda. 30 Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa. 31 Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake. 32 Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama. 33 Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. 34 Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. 35 Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe