Online Bible

- Reklamy -

Ɀireʋo 2 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kunaka kwouchenjeri

1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;

2 Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise;

3 Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nezwi rako kuti uwane njere;

4 Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa;

5 Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.

6 Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,

7 Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi;

8 Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.

9 Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.

10 Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;

11 Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;

12 Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;

13 Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;

14 Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.

15 Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;

16 Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.

17 Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake.

18 Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;

19 Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;

20 Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.

21 Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.

22 Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy