Zekaria 5 - Shona Bible 1949 revised 2002Chiratidzo chechitanhatu chorugwaro rwakapetwa 1 Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka. 2 Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ” 3 Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo. 4 Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.” Chiratidzo chechinomwe, chomukadzi akabata efa 5 Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, “Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo.” 6 Ini ndikati, “Chinyiko?” Iye akati, “Ndiyo efa inobudapo.” Akatizve, “Ndizvo zvavakaita panyika yose;” 7 (zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa. 8 Akati, “Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.” 9 Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimuda; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga. 10 Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Vanondoisepiko efa?” 11 Iye akati kwandiri, “Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe