Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 3 - Shona Bible 1949 revised 2002


Chiratidzo chechina, Joshua anopomerwa naSatani asi anorwirwa naJehovha

1 Zvino wakandiratidza Joshua mupristi mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake.

2 Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsika chakabvutwa pamoto here?”

3 Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa.

4 Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, “Bvisai nguo dzake dzine tsvina.” Akati kwaari, “Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo.”

5 Ini ndikati, “Ngavamudzike ngoani yakachena pamusoro wake.” Ipapo vakamudzika ngoani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo.

6 Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti,

7 “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano.

8 Zvino chinzwa iwe Joshua, mupristi mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi.

9 Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.

10 Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomudzambiringa napasi pomuonde.’ ”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy