Zekaria 13 - Shona Bible 1949 revised 2002Vanhu vaJehovha vachanatswa zvivi zvavo 1 “Nezuva iro imba yaDhavhidhi navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina. 2 Zvino nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, “Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.” 3 Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, “Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJehovha; baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita. 4 Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu; 5 asi achati, ‘Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.’ 6 “Kana mumwe akati kwaari, ‘Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?’ Ipapo achapindura, achiti, ‘Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.’ ” 7 “Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku. 8 “Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo. 9 Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu,’ ivo vachati, ‘Jehovha ndiMwari wangu.’ ” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe