Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 10 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jehovha acharopafadza Judha naIsiraeri

1 Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda.

2 Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi.

3 Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.

4 Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta hwehondo, kwaari vabati vose pamwechete.

5 Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.

6 “Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa.

7 VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha.

8 “Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikinura; vachawanda sezvavaiwanda kare.

9 Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka.

10 Ndichavadzosazve panyika yeIjipiti, ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGireadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara.

11 Achafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.

12 Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy