Online Bible

- Reklamy -

Ʋatoŋgi 12 - Shona Bible 1949 revised 2002


VaEfuremu vanopopotera Jefuta

1 Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, “Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.”

2 Jefuta akati kwavari, “Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imi hamuna kundiponesa pamaoko avo.

3 Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?”

4 Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGireadhi, akarwa naEfuremu, nokuti vakati, “Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imi vaGireadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase.”

5 Ipapo vaGireadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, “Nditenderei kuti ndiyambuke,” varume veGireadhi ndokuti kwaari, “Uri muEfuremu here?” Kana akati, “Kwete,”

6 ipapo vakati kwaari, “Zvino chiti, ‘Shibhoreti;’ iye ndokuti, ‘Sibhoreti,’ nokusagona kureva kwazvo;” ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani; nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.

7 Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGireadhi.


Ibhuzani, naEroni, naAbhidhoni

8 Shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Isiraeri.

9 Iye wakanga ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe.

10 Ibhuzani akafa, akavigwa paBheterehemu.

11 Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi.

12 Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni.

13 Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri.

14 Iye wakanga ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere.

15 Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy