Online Bible

- Reklamy -

ƲaKorose 4 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemiwo muna Ishe kudenga.


Nyengeterai, muchenjere pamufambiro wenyu namashoko enyu

2 Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;

3 mutinyengeterere nesuo kamwe, kuti Mwari atizarurire musuo weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;

4 kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.

5 Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu.

6 Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.


Anotuma Tikiko naOnesimo

7 Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri akatendeka, nomuranda pamwechete neni muna Ishe.

8 Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze mwoyo yenyu;

9 pamwechete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.


Kuonekana

10 Arisitakusi, musungwa pamwechete neni, anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi, mumugamuchire;

11 naJesu, anonzi Jusuto, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni paushe hwaMwari, ivo vakandinyaradza.

12 Epafirasi; mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, anokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari.

13 Nokuti ndinomupupurira, kuti anotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodhikia, naveHerapori.

14 Ruka, n'anga inodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai.

15 Ndikwazisirei hama dziri Raodhikia, naNimifa, nesangano riri mumba mavo.

16 Kana tsamba iyi yarawa pakati penyu, ngairawewo musangano ravaRaodhikia; imiwo murave tsamba inobva Raodhikia.

17 Udzai Arikipo muti, “Tarira basa rawakapiwa naIshe, kuti uripedzise kwazvo.”

18 Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy