ƲaHeberu 8 - Shona Bible 1949 revised 2002Sungano yekare yapfuura, Kristu ndiye murevereri wesungano itsva 1 Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tino mupristi mukuru akadai akagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga; 2 iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naIshe, isina kumiswa nomunhu. 3 Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibayiro; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo; 4 nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurayiro; 5 ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.” 6 Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka. 7 Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo. 8 Nokuti anovapa mhosva, achiti, “Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Ishe, Andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsiraeri, uye neimba yaJudha; 9 Isina kuita sesungano yandakaita namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti; Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndakasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe. 10 Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri Kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo, Napamwoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, Ivo vachava vanhu vangu; 11 Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, ichiti, ‘Ziva Ishe;’ Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. 12 Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo handichazozvirangariri.” 13 Zvaanoti: Sungano itsva, akasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe