Online Bible

- Reklamy -

ƲaHeberu 5 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Nokuti mupristi mukuru mumwe nomumwe, akatorwa kuvanhu, anogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi;

2 iye anogona kunzwira tsitsi avo vasingazivi navakatsauka, nokuti naiyewo amene akakomberedzwa noutera.

3 Nemhaka iyo iye amene anofanira kuzvibayira pamusoro pezvivi zvake, sezvaanobayira zvavanhu.

4 Hakuna munhu angazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari saiye Aroni.

5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa mupristi mukuru, asi akakudzwa naiye, akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakakubereka;”

6 Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti, “Ndiwe Mupristi nokusingaperi Unorudzi naMerekizedheki.”

7 Iye, pamazuva enyama yake, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari;

8 kunyange aiva Mwanakomana, akadzidza kuteerera nezvaakatambudzika;

9 akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera;

10 akanzi naMwari Mupristi mukuru unorudzi naMerekizedheki.


Vatendi vanofanira kupfuurira mberi pakutenda

11 Tina mashoko mazhinji atingataura pamusoro pake, anorema kududzira, zvamava vanhu vasingagoni kunzwisisa kwazvo.

12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe anokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.

13 Nokuti mumwe nomumwe anodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.

14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy