ƲaHeberu 13 - Shona Bible 1949 revised 2002Mashoko okupedzisira okuraira 1 Rudo pakati pehama ngarugare. 2 Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi. 3 Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwechete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imiwo. 4 Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari achatongesa mhombwe navanofeva. 5 Musakarira mari pamugariro wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene akati, “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” 6 Naizvozvo tinotsunga mwoyo, tichiti, “Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?” 7 Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. 8 Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi. 9 Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zvakanaka kuti mwoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri. 10 Isu tine aritari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhenakeri. 11 Nokuti mitumbi yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomupristi mukuru nokuda kwezvivi, inopiswa kunze kwemisasa. 12 Saka naiye Jesuo akatambudzika kunze kwesuo kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake. 13 Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. 14 Nokuti pano hatina guta richagara, asi tinotsvaka richavapo. 15 Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake. 16 Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari anofara nezvibayiro zvakadai. 17 Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu. 18 Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. 19 Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. Kuonekana 20 Zvino Mwari worugare, akadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, 21 ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Kristu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. 22 Asi ndinokurayirai, hama dzangu, kuti mutende neshoko rokurayira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. 23 Zivai kuti hama yedu Timoti akasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwechete naye. 24 Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navatsvene vose. VeItariya vanokukwazisai. 25 Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe