Online Bible

- Reklamy -

Ruka 14 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jesu anoporesa munhu ane mhuka

1 Zvino akati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi nomusi weSabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza.

2 Zvino kwakanga kune mumwe munhu pamberi pake aiva norukandwe.

3 Ipapo Jesu akapindura, akataura kuvadudziri vomurayiro nokuvaFarisi, achiti, “Kwakatenderwa kuporesa nomusi weSabata here, kana kwete?”

4 Vakaramba vanyerere. Zvino akamutora, akamuporesa, ndokumuendesa.

5 Akati kwavari, “Ndianiko pakati penyu, angati, kana mwanakomana wake, kana mombe yake yawira mugomba, angarega kuibudisa pakarepo nomusi weSabata?”

6 Vakasagona kupindurazve pamusoro paizvozvi.


Kuzvininipisa

7 Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari,

8 “Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumuchato, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, anokudzwa kupinda iwe, akokerwawo naye;

9 zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’

10 Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe.

11 Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza, achaninipiswa; uye mumwe nomumwe anozvininipisa, achakudzwa.”

12 Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa.

13 Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu.

14 “Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”


Mufananidzo wechirariro chikuru
( Mateu 22:1-10 )

15 Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!”

16 Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji.

17 “Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’

18 Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’

19 Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’

20 Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’

21 Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’

22 Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’

23 “Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.

24 Nokuti ndinoti kwamuri, hakuna mumwe kuna varume avo vandakokera, acharavira chirariro changu.’ ”


Kutevera Jesu
( Mateu 10:37-38 )

25 Zvino vazhinji-zhinji vakafamba naye; akatendeuka, akati kwavari,

26 “Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu.

27 Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake, akauya shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.

28 Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?

29 Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozviona, vasatanga kumuseka,

30 vachiti, ‘Uyu munhu akatanga kuvaka, akakoniwa kupedzisa.’

31 Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, asingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvine gumi, angagona kundosangana noanouya kuzorwa naye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvina makumi maviri?

32 Kana asingagoni, anotuma nhume, iye achiri kure, kundokumbira mashoko orugare.

33 Saizvozvowo, ani naani kwamuri asingasii zvose zvaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.”

34 “Munyu wakanaka; asi kana munyu wakashapa, acharungwa neiko?

35 Hauchine basa pamunda, kana padutu romupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy