Online Bible

- Reklamy -

Nehemia 12 - Shona Bible 1949 revised 2002


Vapristi navaRevhi

1 Zvino ava ndivo vapristi navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira;

2 naAmaria, naMaruki, naHatushi;

3 naShekania, naRehumi, naMeremoti;

4 naIdho, naGinetoi, naAbhiya;

5 naMijamini, naMaadhia, naBhiriga;

6 naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya;

7 naSaru, naAmoki, naKirikiiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavapristi navehama dzavo pamazuva aJeshua.

8 Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi.

9 NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda.

10 Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha;

11 Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.

12 Pamazuva aJoyakimu vapristi, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hanania;

13 wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;

14 wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa;

15 wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai;

16 wokwaIdho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami;

17 wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini woMoadhia, Piritai;

18 wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani;

19 wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi;

20 wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri;

21 wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri.

22 VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohanani, naJadhua; navapristiwo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia.

23 Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yamakoronike, kusvikira pamazuva aJohanani mwanakomana waEriashibhi.

24 Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba.

25 Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo.

26 Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, napamazuva aNehemiya mubati, nomupristi Ezira munyori.


Rusvingo rweJerusaremu runotsaurirwa Jehovha

27 Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeranwa nembira.

28 Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati;

29 napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu.

30 Zvino vapristi navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo.

31 Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; rimwe rakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;

32 shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha,

33 naAzaria, naEzira, naMeshurami,

34 naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya,

35 navamwe vanakomana vavapristi vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi;

36 nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo;

37 vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatano eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva.

38 Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi;

39 napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai; vakamira pasuo ravarindi.

40 Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri,

41 navapristi Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda;

42 naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo.

43 Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.

44 Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri epfuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapristi neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapristi navaRevhi vaishumira.

45 Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake.

46 Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.

47 Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikanwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy