Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 9 - Shona Bible 1949 revised 2002


Vapristi vanotanga basa ravo

1 Zvino nomusi werusere Mosesi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri,

2 akati kuna Aroni, “Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondohwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha.

3 Utaure navana vaIsiraeri, uti, ‘Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,

4 nenzombe, negondohwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.’ ”

5 Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMosesi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.

6 Ipapo Mosesi akati, “Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.”

7 Mosesi akati kuna Aroni, “Swedera kuatari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.”

8 Ipapo Aroni wakaswedera kuatari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake.

9 Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzeatari, akadurura ropa mujinga meatari;

10 asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro peatari, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.

11 Nyama nedehwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa.

12 Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro peatari kunhivi dzose.

13 Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro peatari.

14 Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro peatari.

15 Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga.

16 Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa.

17 Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro peatari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani.

18 Akabayawo nzombe negondohwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro peatari kunhivi dzose;

19 namafuta enzombe, neegondohwe, nebhemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa;

20 akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro peatari;

21 Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMosesi.

22 Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo.

23 Mosesi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.

24 Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy