Mupiro 15 - Shona Bible 1949 revised 2002Mirairo yavarume navakadzi vasina kunaka 1 Zvino Jehovha wakataura naMosesi naAroni akati, 2 “Taurai navana vaIsiraeri, muti kwavari, ‘Kana murume ane zvimwe zvinoyerera, zvinobuda pamuviri wake, uchava usina kunaka nokuda kwokuyerera kwake.’ 3 Ndiko kusanaka kwokuyerera kwake: Kana muviri wake uchibudisa zvinoyerera, kana muviri warega hawo kubudisa zvinoyerera, ndiko kusanaka kwokuyerera kwake. 4 Nhoo imwe neimwe yaanovata pamusoro payo ichava isina kunaka; nechinhu chimwe nechimwe chaanogara chichava chisina kunaka. 5 Ani naani unobata nhoo dzake, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 6 Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 7 Munhu unobata muviri waiye une zvinoyerera, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 8 Kana munhu une zvinoyerera akapfira mumwe wakanaka mate, iye ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 9 Chigaro chipi nechipi chinogarwa nomunhu une zvinoyerera chichava chisina kunaka. 10 Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 11 Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 12 Hari yevhu inobatwa nomunhu une zvinoyerera ngaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumwe nomumwe anofanira kusukurudzwa nemvura. 13 “Kana munhu une zvinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe okuzvinatsa kwake, zvino asuke nguo dzake, ndokushambidza muviri wake nemvura inoyerera, anake. 14 “Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva, auye pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana, ape mupristi idzedzo; 15 zvino mupristi anofanira kudzibayira, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa; mupristi amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwake. 16 “Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushambidza muviri wake wose nemvura, agova usina kunaka kusvikira madeko. 17 Nguo ipi neipi, nedehwe ripi neripi, zvadonherwa nembeu, zvinofanira kusukwa nemvura, zvive zvisina kunaka kusvikira madeko. 18 Mukadziwo wakavata nomurume nembeu, vose vari vaviri vanofanira kuzvishambidza nemvura, vave vasina kunaka kusvikira madeko. 19 “Kana mukadzi ane zvinoyerera, zvinoyerera pamuviri wake riri ropa, uchava pakusanaka kwake mazuva manomwe; ani naani unomubata uchava usina kunaka kusvikira madeko. 20 Chinhu chipi nechipi chaanovata pamusoro pacho pakusanaka kwake chichava chisina kunaka, uye chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka. 21 Ani naani unobata nhoo dzake anofanira kusuka nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 22 Ani naani unobata chinhu chipi nechipi chaanogara, anofanira kusuka nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 23 Kana akabata chinhu chiri panhoo, kana chinhu chipi nechipi chaanogara, uchava usina kunaka kusvikira madeko. 24 Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhoo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka. 25 “Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kwokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka. 26 Nhoo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhoo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kwokuva kwake kumwedzi. 27 Ani naani unobata zvinhu izvo uchava usina kunaka, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko. 28 Asi kana anatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe; kana iwo apera uchava wakanaka. 29 Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, auye nadzo kumupristi, kumukova wetende rokusangana. 30 Zvino mupristi anofanira kuuraya imwe, chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa; mupristi amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwokusanaka kwake. 31 “Saizvozvo munofanira kuparadzanisa vana vaIsiraeri pakusanaka kwavo, kuti varege kufa pakusanaka kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo. 32 “Ndiwo murayiro womunhu une zvinoyerera, nounobudisa mbeu yake, akazova usina kunaka nazvo; 33 nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka.” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe