Online Bible

- Reklamy -

Mupiro 12 - Shona Bible 1949 revised 2002


Mirairo yokunatswa kwavakadzi

1 Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,

2 “Taura navana vaIsiraeri uti, ‘Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava usina kunaka mazuva manomwe, uchava usina kunaka sapanguva yaari kumwedzi.

3 Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.’

4 Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene, kana kupinda paimba tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera.

5 Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.

6 Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakana kenjiva, kana vhukutiwa, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupristi;

7 agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.

8 Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy