Mika 5 - Shona Bible 1949 revised 20021 “Zvino muchafanira kuungana makaita mapoka, iwe mukunda wamapoka; muvengi wakatikomba, vacharova mutongi waIsiraeri netsvimbo padama rake. Mubati waIsiraeri achazozvarwa paBheterehemu 2 “Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare. 3 “Naizvozvo uchavaisa kuvavengi vavo, kusvikira panguva yokuzvara kwaiye anosurumuka; ipapo hama dzake, dzakasara, dzichadzoka navana vaIsiraeri. 4 Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika. 5 Iye achava rugare rwedu. Kana muAsiria achipinda munyika yedu, kana achitsika mudzimba dzedu dzoushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda masere pakati pavanhu kuti varwe naye. 6 Ivo vachaparadza nyika yeAsiria nomunondo, nenyika yaNimurodhi painopindwa napo; iye achatirwira kumuAsiria, kana achinge achipinda nyika yedu nokutsika mukati memiganho yedu. 7 “Ipapo vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi mazhinji avanhu sedova rinobva kuna Jehovha, semvura inonaya pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugarira vanakomana vavanhu. 8 Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi pakati pamarudzi mazhinji avanhu, seshumba pakati pemhuka dzomudondo, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inoti kana ichipfuurapo, inotsika nokubvamburanya, kusina anorwira. 9 Ruoko rwenyu ngarusimudzirwe kumusoro kwavadzivisi venyu, vavengi venyu vose ngavaparadzwe. 10 “Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu, nokuputsa ngoro dzenyu; 11 ndichaparadza maguta enyika yenyu, nokukoromora nhare dzenyu dzose. 12 Ndichaparadza uroyi pamaoko enyu, hamungazovi navafemberi; 13 ndichaparadza mifananidzo yenyu yakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamungazonamati mabasa amaoko enyu; 14 ndichadzura miti yenyu yakatsaurwa pakati penyu, ndichaparadza maguta enyu. 15 Ndichatsiva marudzi asina kuteerera ndichiita nokutsamwa nehasha. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe