Mateo 7 - Shona Bible 1949 revised 2002Mharidzo pagomo, kutonga vamwe 1 “Musatonga, kuti murege kutongwa; 2 nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho. 3 Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? 4 Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako? 5 Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako. 6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai. Kutsunga pakunyengetera 7 “Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. 8 “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka aNowana; anogogodza anozarurirwa. 9 Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe? 10 Kana akakumbira hove, angamupa nyoka? 11 Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari! 12 “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murayiro navaporofita. Nzira mbiri ( Ruka 13:24 ) 13 “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda mukuparadzwa; vanopinda napo vazhinji. 14 Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuhupenyu, uye vanoiwana vashoma. Vadzidzisi venhema 15 “Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. 16 “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Madzambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? 17 Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa. 18 “Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. 19 Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. 20 Saka muchavaziva nemichero yavo. Kunzwa nokuita 21 “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. 22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here?’ Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here? 23 Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vezvisakarurama. 24 “Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware. 25 “Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware. 26 Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. 27 Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.” 28 Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; 29 nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe