Online Bible

- Reklamy -

Mateo 6 - Shona Bible 1949 revised 2002


Mharidzo pagomo, kupa varombo

1 “Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubayiro kuna baba venyu vari kudenga.

2 “Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo.

3 Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako,

4 kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubayiro.


Kunyengetera

5 “Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo.

6 “Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.

7 “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji.

8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari.

9 Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe.

10 Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.

11 Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.

12 Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu.

13 Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’

14 Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo

15 Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.


Kuzvinyima zvokudya

16 “Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’

17 Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako;

18 kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.


Pfuma yepasi neyokudenga

19 “Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba.

20 “Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.

21 “Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.

22 Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.

23 “Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!

24 “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.

25 “Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here?

26 Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?

27 Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?

28 “Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki;

29 asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.

30 “Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?

31 “Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’

32 Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose.

33 Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.

34 Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo dzaro.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy