Online Bible

- Reklamy -

Mateo 26 - Shona Bible 1949 revised 2002


VaJudha vanorangana kuuraya Jesu
( Mako 14:1-2 ; Ruka 22:1-2 ; Johani 11:45-53 )

1 Jesu akati apedza mashoko iwayo ose, akati kuvadzidzi vake,

2 “Munoziva kuti kana mazuva maviri apfuura Pasika inosvika, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvatongi, kuti aroverwe pamuchinjikwa.”

3 Zvino vapristi vakuru, navakuru vavanhu vakaungana muruvazhe rwomupristi mukuru, ainzi Kaifasi.

4 Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuuraya.

5 Asi vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.”


Jesu anozodzwa nomukadzi paBhetania
( Mako 14:3-9 ; Johani 12:1-8 )

6 Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi,

7 mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya.

8 Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?”

9 “Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.”

10 Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka.

11 Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.

12 Nokuti zvaakadira mafuta awa pamuviri wangu, akazviitira kuvigwa kwangu.

13 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.”


Judhasi Isikarioti anotsvaka kutengesa Jesu
( Mako 14:10-11 ; Ruka 22:3-6 )

14 Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru,

15 akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha.

16 Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo.


Pasika neChirariro
( Mako 14:12-26 ; Ruka 22:7-23 ; Johani 13:21-30 ; 1 Vakorinde 11:23-25 )

17 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?”

18 Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ”

19 Vadzidzi vakaita pavakarayirwa napo naJesu, vakagadzira Pasika.

20 Ava madekwana, akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri.

21 Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”

22 Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari, achiti, “Ishe, ndini here?”

23 Akapindura, akati, “Waisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira.

24 Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.”

25 Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akapindura, akati, “Rabhi, ndini here?” Akati kwaari, “Ndizvo zvawataura.”

26 Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.”

27 Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.”

28 “Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.”

29 Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomudzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.”

30 Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.


Jesu anoudza Petirosi kuti achamuramba
( Mako 14:27-31 ; Ruka 22:31-34 ; Johani 13:36-38 )

31 Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’

32 Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.”

33 Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Kana vose vakagumburwa nemi, ini handingatongogumburwi.”

34 Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti usiku huno, jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.”

35 Petirosi akati kwaari, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambi ini.” Vadzidzi vose vakadarowo.


Jesu muGetsemani
( Mako 14:32-42 ; Ruka 22:39-46 )

36 Zvino Jesu akasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi, “Garai pano, ini ndichaenda kundonyengetera uko.”

37 Akatora Petirosi navanakomana vaZebhedhi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa.

38 Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.”

39 Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”

40 Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete?

41 Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.”

42 Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.”

43 Akaendazve, akavawana vavata; nokuti meso avo akanga abatwa nehope.

44 Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo.

45 Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi.

46 Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”


Kusungwa kwaJesu
( Mako 14:43-50 ; Ruka 22:47-53 ; Johani 18:3-12 )

47 Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu.

48 Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda, ndiye; mumubate.”

49 Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati, “Kwaziwai, Rabhi!” Akamutsvoda zvikuru.

50 Jesu akati kwaari, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo vakauya, vakaisa maoko kuna Jesu, vakamubata.

51 Zvino tarira, mumwe wavaiva naJesu, akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake.

52 Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.

53 Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri?

54 “Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?”

55 Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutemberi mazuva ose, ndichidzidzisa, mukasandibata.

56 Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe.” Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.


Jesu pamberi paKaifasi navakuru
( Mako 14:53-65 ; Ruka 22:54 , 55 , 63-71 ; Johani 18:13 , 14 , 19-24 )

57 Avo, vakanga vabata Jesu, vakamuisa kuna Kaifasi, mupristi mukuru, apo pakanga paungana vanyori navakuru vavanhu.

58 Asi Petirosi akamutevera ari kure, kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru, akapinda mukati, akagara navatariri kuzoona kupera kwazvo.

59 Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu, vamuuraye;

60 asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakauya. Pashure zviviri zvakasvika, zvikati,

61 “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari, ndikaivakazve namazuva matatu.’ ”

62 Zvino mupristi mukuru akasimuka, akati kwaari, “Haupinduri chinhu here? Chinyiko ichi chavanokupomedzera?”

63 Asi Jesu akaramba anyerere. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.”

64 Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri, kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimba achiuya ari mumakore edenga.”

65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Ashonha Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kushonha kwake.

66 Munoti kudiniko?” Vakapindura, vakati, “Anofanira kufa.”

67 Zvino vakamupfira mate kumeso, vakamurova netsiva, vamwe nembama,

68 vachiti, “Fembera iwe Kristu, kuti ndiani akurova.”


Kuramba kwaPetirosi
( Mako 14:66-72 ; Ruka 22:56-62 ; Johani 18:15-18 , 25-27 )

69 Petirosi akanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri akauya kwaari, akati, “Newewo wakanga unaJesu weGariria.”

70 Asi iye akaramba pamberi pavose, achiti, “Handizivi zvaunoreva.”

71 Zvino akati asvika kusuo, mumwe mushandirikadzi akamuona, akati kunavaivapo, “Uyu munhu akanga ana Jesu weNazareta.”

72 Akarambazve nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu.”

73 Chava chinguva vaya vakanga vamirepo vakauya, vachiti kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunoita kuti uzikanwe.”

74 Zvino akatanga kutuka nokupika, nemhiko achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rikakukuridza.

75 Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy