Online Bible

- Reklamy -

Mariko 9 - Shona Bible 1949 revised 2002


Kubwinya kwaJesu pagomo
( Mateu 17:1-3 ; Ruka 9:28-36 )

1 Zvino akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano, vasingazooni rufu, vasati vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.”

2 Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo.

3 Nguo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakuna musuki pano panyika, angagona kudzichenesa kudaro.

4 Ipapo Eria naMosesi vakaonekwa navo, vachitaurirana naJesu.

5 Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”

6 Nokuti akanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru.

7 Zvino gore rikauya rikavafukidza, izwi rikabuda mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, mumunzwei!”

8 Kamwe, vakati vachiringaringa, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi anavo.

9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavarayira kuti, varege kuudza munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.

10 Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti, “Kumuka kwavakafa chinyiko?”

11 Vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko vachiti, ‘Eria anofanira kutanga kuuya?’ ”

12 Akati kwavari, “Eria achatanga kuuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti achatambudzika zvikuru nokuzvidzwa?

13 Asi ndinoti kwamuri, Eria akatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”


Jesu anoporesa mukomana ane tsviyo
( Mateu 17:14-21 ; Ruka 9:37-43 )

14 Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo.

15 Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa.

16 Akavabvunza, akati, “Munoita nyaya neiko navo?”

17 Mumwe wavazhinji akamupindura, akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, anomweya wembeveve.

18 Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”

19 Akavapindura, akati, “Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye kwandiri.”

20 Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo.

21 Zvino akabvunza baba vake, akati, “Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira?” Akati, “Kubva pauduku hwake.”

22 “Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.”

23 Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.”

24 Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.”

25 Zvino Jesu akati achiona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwechete, akarayira mweya wakaipa, akati kwauri, “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokurayira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!”

26 Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru, ukabuda; akafanana nomunhu akafa, nokudaro vazhinji vakati, “Afa.”

27 Asi Jesu akabata ruoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.

28 Zvino akati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”

29 Akati kwavari, “Rudzi urwu harungatongobudi, asi nokunyengetera.”


Jesu anotaura zvorufu rwake nokumuka kwake
( Mateu 17:22-23 ; Ruka 9:43-45 )

30 Vakabva ipapo, vakagura neGariria, akaramba kuti zvizikanwe nomunhu.

31 Nokuti akadzidzisa vadzidzi vake, akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu, vachamuuraya; kana aurawa, achamukazve mazuva matatu apfuura.”

32 Asi havana kunzwisisa shoko iro, vakatya kumubvunza.


Mukuru paushe hwedenga, nezvigumbuso
( Mateu 18:1-9 ; Ruka 9:46-50 ; 17:1 , 2 )

33 Vakasvika Kapenaume; zvino akati ava mumba, akavabvunza, achiti, “Makanga muchiita nyaya yeiko munzira?”

34 Vakaramba vanyerere, nokuti vakanga vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani.

35 Ipapo akagara pasi, akadana vane gumi navaviri, akati kwavari, “Kana munhu achida kuva wokutanga, achazova weshure kuna vose nomuranda wavose.”

36 Akatora mwana muduku, akamuisa pakati pavo; akamupfumbatira mumaoko, akati kwavari,

37 “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku vakadai nezita rangu, anondigamuchireni; ani naani anondigamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uya akandituma.”

38 Johani akati kwaari, “Mudzidzisi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.”

39 Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba nezita rangu, angakurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.

40 Nokuti asingapesani nesu, anesu.

41 Nokuti ani naani anokunwisai mukombe wemvura muzita rangu, nemhaka yokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haana kurasikirwa nomubayiro wake.

42 “Ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, akandirwe mugungwa.

43 Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda muGehena, mumoto usingadzimwi, una maoko maviri. [

44 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.]

45 Kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, urugure; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uchikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [

46 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.]

47 Kana ziso rako richikugumbusa, urirase; zviri nani kwauri kuti upinde muushe hwedenga une ziso rimwe, pakukandirwa muGehena, una meso maviri.

48 Apo pasingafi honye yavo, napasingadzimwi moto.

49 “Nokuti mumwe nomumwe acharungwa nomoto.

50 “Munyu wakanaka; asi kana munyu usichavavi, mungaurunga neiko? Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy