Online Bible

- Reklamy -

Maraki 4 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 “Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

2 Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu.

3 Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

4 “Rangarirai murayiro waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, wavaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira.

5 “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.

6 Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy