Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 6 - Shona Bible 1949 revised 2002


Vanotsanangura varume vanomwe kuchengeta chirikadzi

1 Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.

2 Zvino vane gumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati, “Hakuzakafanira kuti isu tirege kuparidza shoko raMwari, tishumire pamatafura.

3 Zvino hama dzangu, tsanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere naMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri.

4 Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa rokuparidza shoko.”

5 Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakatsanangura Sitefano, murume akanga azere nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPirokoro, naNikano, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, nyakupindukira kuchiJudha weAndioki.

6 Vakavaisa pamberi pavapostori; vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo.

7 Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru muJerusaremu; navapristi vazhinji vakagamuchira kutenda.


Sitefano anourawa

8 Zvino Sitefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.

9 Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKurene, navaArekizandiriya, naveKirikia, naveAsia, vakasimuka vakaita nharo naSitefano.

10 Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, naMweya waaitaura naye.

11 Ipapo vakamutsa varume, vaiti, “Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.”

12 Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota,

13 vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro.

14 “Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ”

15 Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy