Online Bible

- Reklamy -

Mabasa 11 - Shona Bible 1949 revised 2002


Petirosi anozvidavirira paJerusaremu

1 Zvino vapostori nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchirawo shoko raMwari.

2 Zvino Petirosi akati akwira Jerusaremu, vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye,

3 vachiti, “Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.”

4 Zvino Petirosi akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti,

5 “Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa mweya, ndikaona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika pandiri;

6 ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga,

7 ndikanzwawo izwi richiti kwandiri, ‘Simuka Petirosi, baya, udye.’

8 Asi ini ndikati, ‘Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chine tsvina.’

9 Asi izwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti, ‘Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachina kunaka.’

10 “Izvozvo zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwazve kudenga.

11 Ipapo, tarira, pakarepo varume vatatu vamira pamberi peimba, matakanga tiri, vakanga vatumirwa kwandiri, vachibva Kesaria.

12 “Ipapo Mweya akandiudza, kuti ndiende navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuwo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.

13 Iye akatiudzawo kuti akaona mutumwa amire mumba make, achiti, ‘Tumira Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi;

14 iye achakuudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.’

15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduwo pakutanga.

16 Ini ndikarangarira shoko raIshe, rokuti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene.’

17 “Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, aigona kudzivisa Mwari?”

18 Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.”


Bhanabhasi naSauro vanoparidza muAndioki

19 Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paSitefano, vakaenda kusvikira paFonikia, neSaipurasi, neAndioki, vasingatauri shoko kumunhu, asi kuna vaJudha bedzi.

20 Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veSaipurasi neKurene; ivo vakati vasvika Andioki, vakataura kuvaGirikiwo, vachiparidza Ishe Jesu.

21 Ruoko rwaIshe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendeukira kuna Ishe.

22 Mashoko avo akanzwika nekereke muJerusaremu, vakatuma Bhanabhasi kuti aende Andioki.

23 Iye akati asvika, akaona nyasha dzaMwari, akafara; akarayira vose kuti vanamatire Ishe nomwoyo wakasimba;

24 nokuti waiva murume akanaka, azere naMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kuna Ishe.

25 Iye akaenda Taso achindotsvaka Sauro.

26 Zvino akati amuwana, akauya naye Andioki. Ipapo vakaungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; pa Andioki vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.

27 Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusaremu, vakaenda Andioki.

28 Mumwe wavo ainzi Agabho, akasimuka, ndokuvazivisa naMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKiraudhiyo.

29 Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea.

30 Vakaita kudaro, vakazvitumira naBhanabhasi naSauro kuvakuru.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy