Joshua 4 - Shona Bible 1949 revised 2002Zviratidzo zvamabwe ane gumi namaviri 1 Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati, 2 “Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe; 3 ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyamuike mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.’ ” 4 Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe, 5 Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri. 6 Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ 7 Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.’ ” 8 Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo. 9 Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJorodhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi. 10 Nokuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJorodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMosesi; vanhu vakakurumidza kuyambuka. 11 Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi payanhu. 12 Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMosesi. 13 Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. 14 Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mosesi mazuva ose oupenyu hwake. 15 Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati, 16 “Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJorodhani.” 17 Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, “Kwirai, mubude mukati maJorodhani.” 18 Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. 19 Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko. 20 Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari. 21 Akataura navana vaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ 22 Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’ 23 Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; 24 kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe