Online Bible

- Reklamy -

Joshua 20 - Shona Bible 1949 revised 2002


Maguta matanhatu outiziro

1 Zvino Jehovha wakataura naJoshua, akati,

2 “Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMosesi;

3 kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo;’ achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.

4 Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo.

5 Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.

6 Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwomupristi mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza.”

7 Ipapo vakatsaura Kedheshi muGarirea panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati‐abha (ndiro Hebhuroni) panyika yamakomo yaJudha.

8 Nemhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeri murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGireadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase.

9 Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy