Online Bible

- Reklamy -

Joshua 16 - Shona Bible 1949 revised 2002


Nhaka yaEfuremu

1 Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti‐eri;

2 ndokubva Bheti‐eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti;

3 ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa.

4 Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.

5 Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti‐horoni kumusoro;

6 zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati‐shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa;

7 ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJorodhani.

8 Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo;

9 pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo.

10 Havana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy