Joshua 12 - Shona Bible 1949 revised 2002Madzimambo akakundwa navaIsiraeri 1 Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva: 2 Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGireadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni; 3 nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bheti‐jeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga; 4 nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei, 5 waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGireadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni. 6 Mosesi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mosesi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo. 7 Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari‐gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo. 8 Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKenani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, 9 mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedyo neBheteri, mumwe; 10 namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe; 11 namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe; 12 namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe; 13 namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe; 14 namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe; 15 namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe; 16 namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe; 17 namambo weTapua, mumwe; namambo weHeferi, mumwe; 18 namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe; 19 namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe; 20 namambo weShimuroni‐meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe; 21 namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe; 22 namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe; 23 namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe; 24 namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe