Joshua 11 - Shona Bible 1949 revised 2002Mamwe maguta akakundwa naJoshua 1 Zvino Jabhini, mambo weHazori wakati achizvinzwa, akatuma nhume kuna Jobhabhu, mambo weMadhoni, nokuna mambo weShimuroni, nokuna mambo weAkishafi, 2 nokuna madzimambo akanga ari kurutivi rwokumusoro, panyika yezvikomo, nomumupata kurutivi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuzvikomo zvapaDhori, kurutivi rwamavirazuva, 3 nokuvaKenani kurutivi rwamabvazuva nokumavirira, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaJebhusi, panyika yamakomo, navaHivhi vakanga vagere mujinga meHorimoni, panyika yeMizipa. 4 Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinjizhinji. 5 Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa navaIsiraeri. 6 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.” 7 Zvino Joshua akauya pakarepo, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, kuti arwe navo pamvura yeMeromi, akavavamba. 8 Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti‐maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete. 9 Joshua akavaitira sezvakanga arairwa naJehovha; akagura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto. 10 Nenguva iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akauraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutanga Hazori waiva muzinda woushe ihwo hwose. 11 Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto. 12 Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMosesi muranda waJehovha. 13 Asi maguta akanga ari pazvikomo zvavo, vaIsiraeri havana kuapisa kunyange nerimwe chete, asi Hazori chete; Joshua wakapisa irero. 14 Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema. 15 Sezvakanga zvarairwa Mosesi muranda wake naJehovha, ndizvo Mosesi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. 16 Saizvozvo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, nebani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsiraeri, nebani rayo; 17 kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kusvikira paBhaari‐gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; akakunda madzimambo aro ose, akavaparadza nokuvauraya. 18 Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuva mazhinji. 19 Hakuna guta rakayanana navaIsiraeri, asi vaHivhi vakanga vagere Gibheoni; vakakunda zvose pakurwa. 20 Nokuti Jehovha ndiye wakaomesa mwoyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. 21 Nenguva iyo Joshua akaenda akaparadza vaAnaki panyika yamakomo, paHebhuroni, napaDhebhiri, napaAnabhi, napanyika yose yamakomo yaJudha, napanyika yose yamakomo yaIsiraeri; Joshua akavaparadza chose pamwechete namaguta avo. 22 Hakuna kuva Anaki wakasara panyika yavana vaIsiraeri; asi paGaza, napaGadhi, napaAshidhodhi ndipo pakasara vamwe. 23 Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mosesi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe