Online Bible

- Reklamy -

Jona 3 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jona anotumwazve Ninivhe, vanhu vanotendeuka

1 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,

2 “Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.”

3 Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.

4 Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa.”

5 Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.

6 Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.

7 Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;

8 asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.

9 “Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?”

10 Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy