Online Bible

- Reklamy -

Jona 2 - Shona Bible 1949 revised 2002


Jona anonyengetera ari mukati mehove

1 Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.

2 Akati, “Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu.

3 Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.

4 Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’ Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.

5 Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.

6 Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.

7 Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene.

8 Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.

9 Asi ndichakubayirai nezwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.”

10 Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy