Online Bible

- Reklamy -

Johane 10 - Shona Bible 1949 revised 2002


Mufananidzo womufudzi akanaka

1 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo mudanga ramakwai, asi anokwira napamwe, imbavha negororo.

2 Asi anopinda nopamusuo, ndiye mufudzi wamakwai.

3 Murindi womusuo anomuzarurira iye, makwai anonzwa izwi rake, anodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedzera kunze.

4 Kana abudisa makwai ake ose, anoatungamirira; makwai anomutevera, nokuti anoziva izwi rake.

5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi izwi ravaeni.”

6 Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa, kuti zvaakavataurira ndezvei.

7 Zvino Jesu akati kwavarizve, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini musuo wamakwai.

8 Vose vakanditangira kuuya, imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

9 “Ndini musuo kana munhu apinda neni, achaponeswa, achapinda, achabuda, achawana mafuro.

10 Mbavha inongouya, kuti ibe nokuuraya nokuparadza. Ini ndakauya, kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda.

11 “Ndini mufudzi akanaka; mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.

12 Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza;

13 anotiza, zvaari muranda; haana hanya namakwai.

14 Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini,

15 Baba sezvavanondiziva, neni ndichiziva baba; ndinorashira makwai angu hupenyu hwangu.

16 Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.

17 “Saka baba vanondida, nokuti ndinorasha upenyu hwangu, ndigohutorazve.

18 Hakuna munhu anganditorera upenyu; asi ndinohurasha ndimene. Ndine simba rokuhurasha, uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa nababa vangu.”

19 Ipapo kupesana kukamukazve pakati pavaJudha pamusoro pamashoko iwayo.

20 Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa, anopenga; munomuteerereiko?”

21 Vamwe vakati, “Mashoko awa haati ari omunhu akabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?”


Jesu anoudza vaJudha kuti ndiye Kristu

22 Yaiva nguva yomutambo wokuvandudzwa kwetemberi paJerusaremu; chaiva chando.

23 Jesu akafamba mutemberi pabiravira raSoromoni.

24 Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari, “Uchatinetsa kusvikira ripiko? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.”

25 Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuudzai, mukasatenda. Mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurireni.

26 Asi imi hamutendi, nokuti hamusi vamakwai angu.

27 Makwai angu anonzwa izwi rangu; neni ndinoaziva, uye anonditevera.

28 Ndinoapa upenyu husingaperi; haangafi nokusingaperi, uye hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.

29 Zvandakapiwa nababa vangu zvikuru kuna zvose; hakuna munhu ungaabvuta muruoko rwababa vangu.

30 “Ini nababa tiri vamwe.”

31 Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.

32 Jesu akavapindura, akati, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kuna baba; munonditakira basa ripiko kuna iwaya?”

33 VaJudha vakamupindura, vakati, “Hatikutakiri basa rakanaka; asi nokuti wamhura Mwari; uye, nokuti iwe munhu, unozviita Mwari.”

34 Jesu akavapindura, akati, “Hazvina kunyorwa here mumurayiro wenyu, zvichinzi, ndakati, ‘Muri vamwari?’

35 “Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);

36 imi moti seiko kuna iye akaitwa mutsvene nababa, nokutumwa panyika, unomhura Mwari, zvandakati, ndiri Mwanakomana waMwari?

37 Kana ndisingaiti mabasa ababa vangu, regai kunditenda ini;

38 asi kana ndichiaita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa, mugoziva nokunzwisisa, kuti baba vari mandiri, neni ndiri muna baba.”

39 Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye akapukunyuka pamaoko avo.


Jesu anondogara mhiri kwaJorodhani

40 Zvino akaendazve mhiri kwaJorodhani, paya paibhabhatidza Johani pakutanga; akagarapo.

41 Vazhinji vakauya kwaari, vakati, “Johani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johani pamusoro pouyu ndezvechokwadi.”

42 Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy