Jobho 4 - Shona Bible 1949 revised 2002Erifazi anoyeudzira Jobho kuti atende Mwari agorwirwa hake 1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati, 2 “Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake? 3 Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba. 4 Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda. 5 Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba; Zvakubata, zvino wotambudzika. 6 Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here? 7 Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi? 8 Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa, Navanodyara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo. 9 Vanoparadzwa nomweya waMwari, Vanopedzwa nokufema kwokutsamwa kwake. 10 Kunduruma kweshumba nezwi reshumba inehasha, Nameno evana veshumba anoparadzwa. 11 Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa zvingabata; Navana veshumbakadzi vanoparadzirwa. 12 Zvino ndakaziviswa shoko rakavanda; Nzeve yangu yakanzwa zeve-zeve raro. 13 Pandangariro dzinobva pane zvinoonekwa usiku, Kana vanhu vabatwa nehope huru; 14 Kutya nokubvunda kwakandiwira, Kwakabvundisa mapfupa angu ose. 15 Ipapo mweya wakapfuura pamberi pechiso changu; Mvere dzenyama yangu dzikasimuka. 16 Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa izwi richiti, 17 ‘Ko munhu, anofa, angakunda Mwari pakururama here? Ko munhu angakunda Muiti wake pakunaka here? 18 Tarirai, haatendi varanda vake; Vatumwa vake anovapa mhaka achiti mapenzi; 19 Ndoda vanogara mudzimba dzevhu, Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, Dzinopwanyiwa sezvivhundudzi. 20 Vanoparadzwa pakati pamagwanani namadekwana; Vanoparara nokusingaperi, pasina munhu ane hanya nazvo. 21 Ko bote retente ravo harina kuvhomorwa pamwechete navo here? Vanofa vasina uchenjeri.’ ” |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe