Jakobo 5 - Shona Bible 1949 revised 2002Vapfumi vasina ngoni vanotukwa 1 Nhai, imi vapfumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai. 2 Pfuma yenyu yakaora, nguo dzenyu dzapera nezviundudzi. 3 Ndarama yenyu nesirivha yenyu zvine ngura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera pfuma pamazuva okupedzisira. 4 Tarirai, mubayiro wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo. 5 Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya. 6 Makatongera wakarurama, mukamuuraya; haakudzivisiyi. Tsungirirai kusvikira Ishe achiuya 7 Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. 8 Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwava pedyo. 9 Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi amire pamusuo. 10 Hama dzangu mukutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raIshe. 11 Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe anomwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi. Musapika 12 Asi, hama dzangu, kupfuura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kutongwa. Kunyengetera kune simba 13 Kunomumwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo. 14 Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raIshe. 15 Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe achamumutsa; kana akaita zvivi achazviregererwa. 16 Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu akarurama kune simba guru pakubata kwako. 17 Eria akanga ari munhu akaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu. 18 Akanyengeterazve; denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo. 19 Hama dzangu, kana kuno munhu pakati penyu akatsauka pazvokwadi, mumwe akamudzora, 20 ngaazive kuti anodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya parufu nokufukidza zvivi zvizhinji. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe