Jakobo 4 - Shona Bible 1949 revised 2002Musafarira zvenyika 1 Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? 2 Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. 3 Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu. 4 Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari. 5 Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?” 6 Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.” 7 Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai. 8 Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri. 9 Shuwai mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. 10 Muzvininipise pamberi paIshe, agokukudzai. Musatongana nokutonga vamwe 11 Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murayiro zvakaipa nokutonga murayiro; zvino kana uchitonga murayiro, hauzi muiti womurayiro, asi mutongi. 12 Mumwechete ndiye mutemi womurayiro nomutongi, iye anogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako? Zvamangwana hazvizikanwi 13 Nhai imi, munoti “Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogarako gore, tichishambadzira, tifume 14 imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.” 15 Mungadai muchiti, “Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.” 16 Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa. 17 Naizvozvo uyo, anoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye ane zvivi. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe