Online Bible

- Reklamy -

Jakobo 3 - Shona Bible 1949 revised 2002


Rurimi runofanira kudzorwa

1 Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa.

2 Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo.

3 Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiteerere, tinodzorawo muviri wawo wose.

4 Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzine simba guru, anodzorwa nechidzoreso chidukuduku kwose-kwose nokuda kwomwoyo womufambisi wawo.

5 Saizvozvowo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei!

6 Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu, runotungidza irwo neGehena.

7 Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvinokambaira, neezviri mugungwa angapingudzwa, uye ukambopingudzwa navanhu;

8 asi hakuna munhu angapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unouraya.

9 Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari;

10 mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.

11 Tsime rinobudisa pachitubhu chimwe mvura inonaka neinovava here?

12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa maonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka.


Kuchenjera kunobva kumusoro

13 Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.

14 Asi kana mune godo rinovava norukave mumwoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema.

15 Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa.

16 Nokuti pane godo norukave, ndipo pane nyonganiso namabasa ose akaipa.

17 Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kunorugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.

18 Chibereko chokururama chinodyarwa parugare navanoita rugare.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy